Mapisarema 32 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro womunhu akakanganwirwa zvivi zvakePisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMashiri.

1Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake,

akafukidzirwa zvivi zvake.

2Akakomborerwa munhu asingaverengerwi

zvakaipa naJehovha;

asina kunyengera pamweya wake.

3Panguva yandakaramba ndinyerere,

mapfupa angu akasakara

Nokuuura kwangu zuva rose.

4Nokuti ruoko rwenyu rwakanga

ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku;

Unyoro hwangu hwakashandurwa

hukava kuoma kwechirimo.

5Ndakakuzivisai chivi changu, handina

kuvanza chakaipa changu;

Ndakati, “Ndichazvireurura kudarika

kwangu kuna Jehovha;”

Imi mukandikanganwira kuipa kwechivi changu.

6Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere

kwamuri panguva yamungawanikwa;

Zvirokwazvo kana mvura zhinji

ichikukura, haingasviki kwaari.

7Ndimi chivando changu; muchandichengeta

ndirege kuwira pakutambudzika.

Muchandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.

8Ndichakudzidzisa nokukuraira nzira

yaunofanira kufamba nayo;

Ndichakupa njere neziso rangu,

riri pamusoro pako.

9Regai kuva sebhiza, kana sehesera,

zvisinganzwisisi;

Zvinofanira kufambiswa norwauro

netomu pamakashu azvo,

Hazvingazodi kuswedera kwauri.

10Akaipa achava nenjodzi zhinji;

Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.

11Farai muna Jehovha, mufarisise,

imi makarurama;

Pururudzai nomufaro, imi mose

makarurama pamwoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help