Jeremiya 45 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Shoko raJeremiya kuna Bharuki

1Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko aya mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,

2“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki,

3iwe wakati, ‘Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha akawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.’

4“Zvino chiti, kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.’

5Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa upenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help