1“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murairo wangu.
2Vachadana kwandiri, vachiti, ‘Mwari wangu, isu VaIsiraeri tinokuzivai.’
3Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
4“Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
5“Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira rinhiko kuva vakanaka?
6Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuVaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa–putswa.
7Nokuti vanodyara mhepo, vachacheka chamupupuri; havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyangwe chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.
8Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu.
9Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.
10Zvirokwazvo, kunyangwe vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
11“Efuremu zvaakawanza maatari okutadza nawo, maatari ake akamutadzisa.
12Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurairo wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.
13Kana zviri zvibairo zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti.
14“Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.