Amosi 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Muporofita anoratidzwa mhashu nomoto netambo yokueresa nayo

1Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera.

2Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”

3Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, “Hazvingaitwi.”

4Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.

5Ipapo ndakati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”

6Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, “Nezvizviwo hazvingaitwi.”

7Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa netambo yokuyeresa, akabata tambo yokuyeresa muruoko rwake.

8Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Tambo yokuyeresa nayo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa tambo yokuyeresa pakati pavanhu vangu VaIsiraeri, handichatongovadarikizve;

9nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo.”

Amazia anoramba shoko raAmosi paBhetieri

10Zvino Amaziya mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoamu mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.

11Nokuti Amosi anoti, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”

12Amaziya akatiwo kuna Amosi, “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;

13asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, imba yamadzimambo.”

14Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amaziya, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,

15Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu VaIsiraeri.’

16Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’

17naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa notambo yokuyeresa narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye VaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help