1“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna baba venyu vari kudenga.
2“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.
3Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako,
4kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo.
Kunyengetera5“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.
6“Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.
7“Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji.
8Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.
9Zvino imi nyengeterai kudai:
‘Baba vedu muri kudenga,
zita renyu ngarikudzwe.
10Ushe hwenyu ngahuuye,
kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
11Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
12Mutiregerere mhosva dzedu
sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.
13Musatirege tichiedzwa,
asi mutinunure pane zvakaipa.
(Nokuti ushe ndohwenyu,
nesimba nokubwinya, nokusingaperi.
Ameni)’
14Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
15Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.
Kuzvinyima zvokudya16“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubairo wavo.’
17Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako;
18kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.
Pfuma yepasi neyokudenga19“Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba.
20“Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfukuto nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
21“Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.
22Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
23“Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
25“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here?
26Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?
27Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?
28“Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki;
29asi ndinoti kwamuri, kuti kunyangwe naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
30“Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
31“Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’
32Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.
33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
34Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.