1Benzi rakati mumwoyo maro,
“Mwari hakuna.”
Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza;
Hakuna anoita zvakanaka.
2Mwari, ari kudenga, wakatarira
pasi kuvana vavanhu,
Kuti aone kana akachenjera aripo,
Anotsvaka Mwari.
3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure;
vakasvibiswa pamwechete;
Hakuna anoita zvakanaka,
kunyangwe nomumwe.
4“Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here?
Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa,
Vasingadani kuna Mwari.”
5Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa;
Nokuti Mwari akaparadza mapfupa
aiye akanga akakukomba;
Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha.
6Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni!
Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa,
Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.