1 Timoti 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Vatana nechirikadzi

1Usatuke mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun'una,

2navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.

3Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.

4Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.

5Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera usiku namasikati.

6Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.

7Rayirawo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.

8Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, arasa kutenda, akaipa kukunda asingatendi.

9Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwechete,

10ino rumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.

11Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;

12dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga;

13uyezve, dzinodzidza kuva nousimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.

14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.

15Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.

16Kana mukadzi mutendi ane chirikadzi, ngaadzibatsire, chechi irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.

Vakuru vanobata navanodzidzisa

17Vakuru vanobata Chechi zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.

18Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe inopura;” uyezve, “Mubati wakafanirwa nomubairo wake.”

19Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.

20Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.

21Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.

22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, kana kusangana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.

23Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako noutera hwako huzhinji.

24Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo, vamwezve vanoteverwa nazvo.

25Saizvozvowo kuna mabasa akanaka anoonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help