Ezira 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Ezira anotumwa Jerusaremu namambo Atakizesesi

1Zvino shure kwaizvozvo, Atakizesesi mambo wePezhia achibata ushe, Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waHirikia,

2mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,

3mwanakomana waAmaria, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMerayoti,

4mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,

5mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFiniasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni, Mupristi Mukuru

6uyu Ezira akaenda achibva Bhabhironi; iye akanga ari munyori akangwara pamurairo waMosesi, waakanga apiwa naJehovha Mwari waIsiraeri; mambo akamupa zvose zvaakakumbira, nokuda kworuoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pake.

7Navamwe vavana VaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, vakaenda Jerusaremu negore rechinomwe ramambo Atakizesesi.

8Akasvika Jerusaremu nomwedzi wechishanu pagore rechinomwe ramambo.

9Nokuti akatanga kubva Bhabhironi nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, akasvika Jerusaremu nezuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuda kworuoko rwakanaka rwaMwari wake rwakanga ruri pamusoro pake.

10Nokuti Ezira akanga ashingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murairo waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsiraeri zvaakatema nezvaakatonga.

11Zvino ndiwo mashoko etsamba iyo mambo Atakizesesi yaakapa Ezira mupristi nomunyori iye munyori wamashoko emirairo yaJehovha nezvaakatemera Isiraeri,

12“Atakizesesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori womurairo waMwari wokudenga, wakakwana, namamwe mashoko akadai.

13“Ini ndinotema chirevo, kuti vanhu vose VaIsiraeri, navapristi vavo, navaRevhi, vari paushe hwangu, vanoda nokuda kwazvo kuenda Jerusaremu, ngavaende havo newe.

14Zvawatumwa namambo namakurukota ake manomwe kundobvunzisisa pamusoro paJudha neJerusaremu, sezvakarehwa nomurairo waMwari wako uri muruoko rwako.

15“Nokuenda nesirivha nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo Mwari waIsiraeri, iye agere Jerusaremu,

16nesirivha nendarama yose yaungawana parutivi rwenyika yose yeBhabhironi, pamwechete nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo, nezvavapristi, zvavachapa imba yaMwari wavo iri paJerusaremu nomwoyo yavo;

17zvino unofanira kukurumidza kutenga nemari iyo nzombe, namakondohwe, namakwayana, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvoupfu, nezvinodururwa, ugozviisa paatari paimba yaMwari wenyu iri Jerusaremu.

18“Kana iri sirivha nendarama yakasara, itai nazvo sezvamunofunga, iwe nehama dzako, sezvinodikanwa naMwari wenyu.

19Nemidziyo yaunopiwa kundobata nayo paimba yaMwari wako, uiise pamberi paMwari weJerusaremu.

20Nezvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvinodikanwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, uzviripe uchitora paimba yepfuma yamambo.

21“Ini, iyeni mambo Atakizesesi, ndinoraira vachengeti vose vepfuma mhiri kwerwizi, ndichiti, ‘Zvose Ezira mupristi, munyori womurairo waMwari wokudenga, zvaanokumbira kwamuri, ngazviitwe nokukurumidza,

22kusvikira pamatarenta esirivha ane zana, nezviyero zvine zana zvezviyo, namabhati ewaini ane zana, namabhati amafuta ane zana, nomunyu usingaverengwi.’

23Zvose zvinorairwa naMwari wokudenga, ngazviitirwe zvakanaka imba yaMwari wokudenga; nokuti ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwirweiko?

24Tinokuzivisaiwo, kuti kana vari vapristi vose, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaNetinimi, navaranda veimba iyi yaMwari, havangaripiswi mutero, kana zvipo, kana muripo wenzira.

25“Zvino iwe Ezira, nenjere dzaMwari wako, dzawakapiwa iwe, chigadza vatambi vemhosva, navatongi, vangatongera vanhu vose vari mhiri kwerwizi mhaka dzavo, vave vanhu vanoziva mirairo yaMwari wako, ugodzidzisa mumwe nomumwe asingaizivi.

26Ani naani, asingadi kuita murairo waMwari wako, nomurairo wamambo, ngaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudzingwa kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusungwa mutorongo.

27“Jehovha Mwari wamadzibaba edu ngaakudzwe, iye akaisa chinhu chakadai mumwoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehovha iri Jerusaremu;

28iye akandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamachinda ose ane simba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu, ndikakoka varume vakuru pakati paIsiraeri, kuti vaende neni.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help