Isaya 6 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Isaya anodanwa naJehovha

1Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguo dzake ichizadza temberi.

2Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.

3Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.”

4Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nezwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.

5Ipapo ndikati, “Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakan'ora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakan'ora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.”

6Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paatari;

7ikagumura muromo wangu naro, ikati, “Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.”

8Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, “Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera?” Ipapo ndakati, “Ndiri pano ini, nditumei.”

9Iye akati, “Enda, unondoudza vanhu ava, uti, ‘Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.’

10Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemwoyo yavo, vadzoke vapodzwe.”

11Zvino ndakati, “Ishe kusvikira rinhiko?” Akapindura, akati, “Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,

12kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.

13Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhindi nomuoki wasiyirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help