Mapisarema 78 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rangarirai zvamakaitirwaRwiyo rweMashiri rwaAsafi.

1Teererai murairo wangu, imi vanhu vangu;

Rerekerai nzeve dzenyu munzwe

mashoko omuromo wangu.

2Ndichashamisa muromo wangu

nditaure nomufananidzo;

Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,

3Zvatakanzwa nezvatakaziva,

Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.

4Hatingazvivanziri vana vavo,

Asi tichaudza rudzi runotevera

mabasa angarumbidzwa aJehovha,

Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.

5Nokuti akamutsa chipupuriro pakati paJakobho,

Akatema murairo pakati paIsiraeri,

Akazviraira madzibaba edu,

Kuti vazvizivise vana vavo;

6Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo

vana vachazoberekwa;

Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;

7Kuti tariro yavo ive kuna Mwari,

Varege kukanganwa mabasa aMwari,

Asi vachengete mirairo yake;

8Varege kufanana namadzibaba avo,

Rwakanga ruri rudzi rusingateereri,

rwakamukira Mwari.

Rudzi rwakaramba ruenzaniso mumwoyo yavo,

Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.

9Vana vaEfuraimu, kunyangwe

vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta,

Vakadzokera shure pazuva rokurwa.

10Havana kuchengeta sungano yaMwari,

Vakaramba kufamba nomurairo wake;

11Vakakanganwa zvaakaita,

Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.

12Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi

pamadzibaba avo,

Panyika yeIjipiti, pasango reZoani.

13Wakapamura gungwa, akavayambusa;

Akamisa mvura ikafanana nomurwi.

14Masikatiwo wakavafambisa negore,

Nousiku hwose nechiedza chomoto.

15Wakapamura matombo murenje,

Akavanwisa zvakanaka kwazvo

sapamvura inobva pakadzika.

16Akabudisawo hova dzemvura padombo,

Akayereresa mvura zhinji yakaita senzizi.

17Kunyangwe zvakadaro vakaramba

vachimutadzira,

Nokumukira Wokumusorosoro murenje.

18Vakaidza Mwari mumwoyo mavo

Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.

19Zvirokwazvo, vakapopotera Mwari;

Vakati, “Mwari angatigadzirira chokudya

murenje here?

20Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka,

Hova dzakayerera;

Ko angapa chingwawo here?

Ungavigira vanhu vake nyama here?”

21Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa;

Moto ukaveserwa Jakobho,

Kutsamwa kukamukira Isiraeri;

22Nokuti havana kutenda Mwari,

Havana kuvimba nokuponeswa kwake.

23Kunyangwe zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro,

Akazarura mikova yokudenga;

24Akanaisa mana pamusoro pavo kuti vadye,

Akapa zviyo zvokudenga.

25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;

Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.

26Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva,

ikarira kudenga;

Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.

27Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva,

Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;

28Akazviwisira pakati pemisasa yavo,

Pose–pose pavakanga vagere.

29Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo;

Akavapa zvavakanga vachikarira.

30Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo,

Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,

31Kutsamwa kwaMwari kukavamukira,

Akauraya vakakoresa pakati pavo,

Akaparadza majaya aIsiraeri.

32Kunyangwe zvakadaro vakaramba vachitadza,

Vakasatenda mabasa ake aishamisa.

33Saka akapedza mazuva avo pane zvisina maturo,

Namakore avo pane zvinotyisa.

34Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza;

Vakadzoka, vakashingaira kutsvaka Mwari.

35Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo,

NaMwari Wokumusorosoro mudzikinuri wavo.

36Asi vakamubata kumeso nomuromo wavo,

Vakamurevera nhema nendimi dzavo.

37Nokuti mwoyo yavo yakanga isina kururama kwaari,

Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.

38Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru,

akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza;

Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake,

Akasamutsa hasha dzake dzose.

39Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi;

Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.

40Vakamumukira murenje kazhinji sei,

Nokumunzwisa shungu mugwenga!

41Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari,

Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri.

42Havana kurangarira ruoko rwake,

Kana zuva raakavadzikinura pamudzivisi.

43Panguva yaakavaratidza zviratidzo

zvake paIjipiti,

Nezvishamiso zvake pasango reZoani;

44Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa,

Nehova dzavo, vakakoniwa kunwa mvura yadzo.

45Akatuma pakati pavo mapupira

enhunzi, dzakavaruma;

Namatafi, akavaparadza.

46Zvibereko zvavo wakazvipa mhundururu,

Zvavakabatira akazvipa mhashu.

47Akaparadza mizambiringa yavo

nechimvuramabwe,

Nemionde yavo nechando.

48Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe,

Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.

49Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru,

Nehasha neshungu nokutambudza,

Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.

50Akagadzirira kutsamwa kwake nzira;

Haana kubvisa mweya wavo parufu,

Asi akaisa upenyu hwavo kumatenda;

51Akarova matangwe ose paIjipiti,

Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;

52Asi akabudisa vanhu vake samakwai,

Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.

53Akavafambisa vakafara, vakasatya;

Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.

54Akavasvitsa panyika yake tsvene,

Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.

55Akadzingawo ndudzi pamberi pavo,

Akavaganhurira ivo kuti vave nhaka yavo,

Akagarisa VaIsiraeri pamatende avo.

56Kunyangwe zvakadaro vakaidza Mwari

Wokumusorosoro, vakamumukira,

Vakasachengeta zvipupuriro zvake;

57Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera.

Vakatsauka souta hunonyengera.

58Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake

namatunhu avo akakwirira,

Vakamutsa godo rake nezvifananidzo

zvavo zvakaveziwa.

59Zvino Mwari akati achizvinzwa,

akatsamwa kwazvo,

Akasema Isiraeri kwazvo–kwazvo.

60Akabva patabhenakeri yeShiro,

Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;

61Akaisa simba rake mukutapwa,

Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.

62Vanhu vake wakavaisawo kumunondo;

Akatsamwira nhaka yake kwazvo.

63Moto wakapedza majaya avo;

Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.

64Vapristi vavo vakaurayiwa nomunondo;

Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.

65Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete,

Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.

66Akarova vadzivisi vake, vakadzokera shure;

Akavanyadzisa zvisingaperi.

67Akarambawo tende raJosefa,

Akasanangura rudzi rwaEfuremu.

68Asi akasanangura rudzi rwaJudha,

Negomo reZioni raakanga achida.

69Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira,

Sapasi paakateya nokusingaperi.

70Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake,

Akamubvisa pamatanga amakwai;

71Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa,

Kuti ave mufudzi wavanhu vake

Jakobho, naIsiraeri nhaka yake.

72Naizvozvo akavafudza nokururama

kwomwoyo wake;

Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help