Zvirevo 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Munhu ngaafambe nenzira dzouchenjeri

1Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu;

Teererai, muzive njere.

2Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka;

Regai kurasha murairo wangu.

3Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu,

Mwana oga akadikanwa kwazvo,

namai vangu;

4Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri,

“Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu;

Chengeta mirairo yangu, urarame.

5Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere;

Regai kukanganwa kana kutsauka

pamashoko omuromo wangu;

6Usaurasha, hugokuchengeta;

Uude, hugokurinda.

7Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose;

saka uzviwanire uchenjeri;

Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.

8Uhukudze, hugokukwiridza iwe;

Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.

9Huchapa musoro wako chishongo chakanaka;

Huchakuisira korona inobwinya.”

10Chinzwa iwe mwanakomana wangu,

ugamuchire zvandinoreva;

Makore oupenyu hwako agova mazhinji.

11Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri;

Ndakakufambisa pamakwara akarurama.

12Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi;

Kana uchimhanya, haungagumburwi.

13Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza;

Ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.

14Usapinda pagwara ravakaipa,

Usafamba nenzira yavakashata.

15Uinzvenge, usapinda pairi;

Tsauka pairi, upfuure hako.

16Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata;

Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.

17Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa,

Nokunwa waini yokumanikidza.

18Asi gwara ravakarurama rakaita

sechiedza chamambakwedza,

Chinoramba chichiwedzera kubwinya

kusvikira pamasikati makuru.

19Nzira yavakaipa yakaita serima;

Havazivi chingavagumbusa.

20Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu;

Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.

21Urambe uchitarira,

Uachengete mukati momwoyo mako.

22Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana,

Noukukutu hwemuviri wavo vose.

23Chengeta mwoyo wako kupfuura

zvose zvinofanira kurindwa;

Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.

24Bvisa kwauri nhema dzomuromo;

Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.

25Meso ako ngaarurame pakutarira;

Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.

26Gadzirira tsoka dzako gwara;

Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.

27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe;

Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help