1Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose,
2ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, “Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, ‘Musaenda Ijipiti kundogarapo muri vatorwa;
3asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhia, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.’ ”
4Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera izwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
5Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha,
6vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
7vakandosvika kunyika yeIjipiti; nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; vakandosvika Tapanihesi.
8Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanihesi richiti,
9“Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao naTapanihesi, vanhu vose vaJudha vachizviona;
10ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawirira pamusoro pawo jira rake rinobwinya.
11Uchauya achirova nyika yeIjipiti; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo.
12Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veIjipiti; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeIjipiti somufudzi unofuka nguo yake, uchabvapo norugare.
13Uchaputsawo shongwe dzeBheti-shemeshi, riri munyika yeIjipiti; dzimba dzavamwari veIjipiti uchadzipisa nomoto.’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.