1Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;
2kuna Timoti, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
Timoti ngaarayire vadzidzisi venhema3Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Masedhonia, ndinoti, usare muEfeso, kuti urayire vamwe, varege kudzidzisa dzimwe dzidziso;
4kana kurangarira ngano namazita amadziteteguru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendesi zvakarayirwa naMwari, zviri mukutenda.
5Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;
6vamwe vakarasika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusina maturo;
7vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.
8Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo,
9achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina hanya nomurairo, navasingateereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasina hanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai, navanouraya vanhu;
10nemhombwe, navanopombora navarume, navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakarurama;
11sezvinoreva Vhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini.
Pauro anovonga kuti Mwari akamuisa pabasa rake12Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;
13kunyangwe ini ndaiva aishonha Mwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;
14asi nyasha dzaIshe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri muna Kristu Jesu.
15Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo ini ndiri mukuru wavo;
16asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze mwoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu husingaperi.
17Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari woga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi–peri. Ameni.
Pauro anopa Timoti basa rake18Basa iri, rakarayirwa, ndinokupa iro, iwe Timoti, mwana wangu, kuti sezvazvakaporofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;
19wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;
20vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, vandakaisa kuna Satani, vadzidziswe kuti varege kushonha Mwari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.