1Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi,
Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese,
Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo,
Naiye muzodzwa waMwari waJakobho,
Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,
2Mweya waJehovha akataura mukati mangu,
Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3Mwari waIsiraeri wakataura,
dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati,
“Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama,
Uchabata ushe achitya Mwari;
4Uchava sechiedza chamangwanani,
kana zuva robuda,
Samangwanani kana kusina makore.
Kana dova richibuda pavhu
Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.
5Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here?
Nokuti wakaita neni sungano isingaperi,
Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba;
Nokuti ndiko kuponeswa kwangu
kwose, nokuda kwangu kwose,
Ko haangazvikurisi here?
6Asi vose vasingadi Mwari vachafanana neminzwa inorashwa,
Nokuti haigoni kubatwa namaoko;
7Asi munhu anoibata
Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo;
Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto.”
Mhare dzaDhavhidhi8Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatariri; iye wakanga ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.
9Wakamutevera wakanga ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume VaIsiraeri vabva;
10iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.
11Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane munda wenyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.
12Asi iye wakamira pakati pomunda, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
13Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.
14Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakanga ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBhetirehemu nenguva iyo.
15Dhavhidhi akapanga, akati, “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBhetirehemu, riri pasuwo, ndinwe!”
16Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBhetirehemu, riri pasuwo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha.
17Akati, “Haisva, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here?” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.
18Abhishai munun'una waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
19Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
21akaurayawo muIjipiti, murume wakanga akanaka, muIjipiti uyu wakanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.
22Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
23Iye wakanga achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
24Ashaheri munun'una waJoabhu wakanga ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBhetirehemu;
25naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;
26naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;
27naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;
28naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;
29naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhia wavana vaBhenjamini;
30naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;
31naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimaveti muBharihumi;
32naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;
33naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;
34naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
35naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;
36naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;
37naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
38naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
39naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.