1“Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vashandi.
2Akati atenderana navashandi kuvapa dhinari pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
3“Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa,
4akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda.
5Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve.
6Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’
7Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemizambiringa.’
8Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubairo wavo, uchitanga kuno wokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’
9“Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhinari.
10Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhinari.
11Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba,
12vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’
13Akapindura, akati kuno mumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhinari here?
14Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe.
15Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ”
16“Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
Jesu anovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake(Mako 10:32–34; Ruka 18:31–34)17Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga. Akati kwavari panzira,
18“Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu.
19“Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, arohwe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.”
Vana vaZebhedhi vanokumbira kuitwa vakuru(Mako 10:35–45)20Zvino mai vevanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari.
21Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.”
22Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”
23Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”
24Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe.
25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo.
26Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
27Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko(Mako 10:46–52; Ruka 18:35–43)29Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera.
30Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
31Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
32Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
33Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.”
34Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.