Mapisarema 143 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha achimbidzike kumurwiraPisarema raDhavhidhi.

1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha;

teererai kukumbira kwangu;

Ndipindurei nokutendeka kwenyu

nokururama kwenyu.

2Regai kutonga muranda wenyu;

Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu

angaruramiswa pamberi penyu.

3Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu;

Akatsikirira upenyu hwangu pasi;

Akandigarisa panzvimbo dzine rima,

savanhu vakanguva vafa.

4Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu.

Mwoyo wangu wavhundutswa mukati mangu.

5Ndinorangarira mazuva akare;

Ndinofungisisa zvose zvamakaita;

Ndinofunga basa ramaoko enyu.

6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.

7Kurumidzai kupindura, Jehovha;

mweya wangu waziya;

Regai kundivanzira chiso chenyu;

Ndigosava savanoburukira kugomba.

8Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani;

Nokuti ndinovimba nemi;

Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo;

Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9Ndirwirei Jehovha, pana vavengi vangu;

Ndinovanda nemi.

10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu;

nokuti ndimi Mwari wangu;

Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise

munyika yakati chechetere.

11Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu;

Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.

12Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu,

Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu;

Nokuti ndiri muranda wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help