1 VaKorinde 7 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Waniso

1Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti, Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi.

2Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.

3Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi adarowo kumurume.

4Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haana simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.

5Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.

6Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarayiri.

7Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.

8Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi, Zvakanaka kuti vagare seni.

9Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva.

10Zvino vakawana ndinovarayira, asi handizini, ndiIshe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,

11(kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomurume wake); nomurume ngaarege kuramba mukadzi wake.

12Zvino kuna vamwe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba.

13Nomukadzi ano murume asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba murume wake,

14nokuti murume asingatendi anoita mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.

15Zvino kana asingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana iri murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari akakudanai kuti muve norugare.

16Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?

17Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pachechi dzose.

18Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa asakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaarege kudzingiswa.

19Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.

20Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako.

21Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya mwoyo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani kuti udaro hako.

22Nokuti akadanwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo, akadanwa akasununguka, wava muranda waKristu.

23Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.

24Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo.

25Zvino, pamusoro pemhandara, handina murairo waIshe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naIshe kuti ave akatendeka.

26Naizvozvo ndinoti kuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.

27Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi.

28Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.

29Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vana vakadzi vave savasina;

30navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasina chinhu;

31navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura.

32Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei.

33Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei.

34Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.

35Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.

36Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.

37Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka.

38Naizvozvo, anomuwanisa anoita zvakanaka; noasingamuwanisi, anoita zvinopfuura nokunaka.

39Mukadzi akasungwa nomurairo, murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, asununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe muna Ishe.

40Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndinaMweya waMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help