Mapisarema 137 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuchema kwavakatapwa

1Panzizi dzeBhabhironi,

Ndipo patakagara pasi,

zvirokwazvo tikachema,

Pakurangarira kwedu Zioni.

2Pamikonachando mukati madzo

Takaturika mbira dzedu.

3Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira

kwatiri mashoko orwiyo,

Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti,

“Tiimbireiwo rwiyo rweZioni.”

4Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha

Munyika yavatorwa?

5Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu,

Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe

umhizha hwarwo.

6Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu,

Kana ndikarega kukurangarira;

Kana ndisingati Jerusaremu

Ndiwo mufaro wangu mukuru

unopfuura zvose.

7Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu

Pamusoro pezuva reJerusaremu;

Ivo, vakati, “Paradzai, paradzai,

Kusvikira panheyo dzaro.”

8Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa;

Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira

Sezvawakatiitira iwe.

9Munhu uyo achava nomufaro,

achatora pwere dzako

Nokudzirovera padombo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help