1Zvino Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
2Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga ina maonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
3Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Unowoneiko Jeremiya?” Ini ndikati, “Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.”
4Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomwoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhia.
6Nokuti ndichavatarira nameso angu nomwoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
7Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.’
8“Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekiya mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeIjipiti.
9Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshoorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira.
10Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nechirwere, kusvikira vapera munyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.