VaHebheru 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

1Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu achawanikwa asingasviki ikoko.

2Nokuti nesuwo takaparidzirwa Vhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa.

3Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti,

“Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati,

‘Havangapindi muzororo rangu.’ ”

Kunyangwe mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.

4Nokuti paneimwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti, “Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;

5napanozve; havangapindi muzororo rangu.”

6Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo,

7anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,)

“Nhasi, kana muchinzwa izwi rake,

Musaomesa mwoyo yenyu.”

8Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure.

9Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo.

10Nokuti uyo akapinda muzororo rake, akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake.

11Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo anozowa achitevera nzira iyo yokusateerera.

12Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

13Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

Kristu mukuru kuvapristi vakuru vakare

14Naizvozvo, zvatino Mupristi Mukuru kwazvo, akapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.

15Nokuti hatina Mupristi Mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi akaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.

16Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help