Mapisarema 125 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha anopoteredza vanhu vake nokusingaperiRwiyo rworwendo.

1Vanovimba naJehovha

Vakafanana negomo reZioni, risingazununguswi,

asi rimire nokusingaperi.

2Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo,

Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake,

Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

3Nokuti tsvimbo youshe yezvakaipa

haingagari panhaka yavakarurama;

Kuti vakarurama varege kutambanudzira

maoko avo kune zvakaipa.

4Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka,

Navane mwoyo yakarurama.

5Asi kana vari vanhu vanotsaukira

kunzira dzavo dzakaminama,

Jehovha achavaparadza pamwechete

navaiti vezvakaipa.

Isiraeri ngaave norugare!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help