2 Madzimambo 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kurwara nokufa kwaAhazia mambo weIsiraeri

1Zvino vaMoabhu vakamukira VaIsiraeri, shure kwokufa kwaAhabhi.

2Zvino Ahazia wakanga awira pasi napahwindo rekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.”

3Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eriya muTishibhi, “Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, ‘Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?’

4Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’ ” Eriya akabva.

5Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, “Madzokereiko?”

6Ivo vakati kwaari, “Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, ‘Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai,’ muti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’

7“Akati kwavari, ‘Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakanga akadiniko?’ ”

8Vakamupindura vakati, “Wakanga ari murume wakafuka nguo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda.” Iye akati, “Ndiye Eriya muTishibhi.”

9Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai.’ ”

10Eriya akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.

11Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Kurumidzai muburuke.’ ”

12Eriya akapindura, akati kwavari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.

13Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEriya, akakumbira, akati kwaari, “Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwovaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.

14Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.”

15Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eriya, “Buruka naye, usamutya hako.” Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.

16Akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’ ”

17Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEriya. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.

18Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help