1Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake
dzinogara nokusingaperi.
2Vongai Mwari wavamwari;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
3Vongai Ishe wamadzishe;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
4Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
5Iye, akaita kudenga–denga nenjere dzake;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
6Iye akatatanura pasi pamusoro pemvura zhinji;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
7Iye akaita zviedza zvikuru;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
8Zuva, kuti ribate ushe masikati;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
9Mwedzi nenyenyedzi, kuti zvibate ushe usiku;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
10Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
11Akabudisa Isiraeri pakati pavo;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
12Nechanza chine simba, uye noruoko
rwakatambanudzwa;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
13Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
14Akayambusa Isiraeri nomukati maro;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
15Akawisira Farao nehondo yake
muGungwa Dzvuku;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
16Iye, akaperekedza vanhu vake murenje;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
17Iye, akaparadza madzimambo makuru;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
18Akauraya madzimambo akakurumbira;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
19Sihoni mambo waVaAmori;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
20NaOgi mambo weBhashani;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
21Akapa nyika yavo ive nhaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
22Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
23Iye, akatirangarira paurombo hwedu;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;
24Akatirwira pavadzivisi vedu;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
25Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
26Vongai Mwari wokudenga;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.