Muparidzi 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro wenyika nepfuma hazvifadzi

1Ndakati mumwoyo mangu, uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo.

2Kana kuri kuseka, ndakati, “Upengo!” Kana uri mufaro, ndakati, “Unobatsireiko?”

3Ndakanzvera mwoyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, mwoyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.

4Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa;

5ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose;

6ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti;

7ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine pfuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu;

8ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nepfuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvevanakomana vavanhu, navarongo vazhinji.

9Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye uchenjeri hwangu hwakagara neni.

10Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.

11Zvino ndakacherechedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.

12Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa.

13Ipapo ndakaona kuti, “Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.

14Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima;” kunyangwe zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwechete.

15Ipapo ndakati mumwoyo mangu, “Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei! Ndikati mumwoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.”

16Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?

17Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

18Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera.

19Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyangwe zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.

20Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu mwoyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva.

21Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyangwe zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake, asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.

22Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva?

23Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyangwe usiku mwoyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.

24Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.

25Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake?

26Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help