Mika 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Isiraeri naJudha vachaparadzwa nokuda kwezvivi zvavo

1“Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekiya, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.

2“Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.

3Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.

4Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.

5“Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?

6Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.

7Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa–putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubairo wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubairo wechifeve.

8“Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.

9Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvasvikira pasuwo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.

10“Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti–re–Afura ndakaumburuka muguruva.

11Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti–ezeri kuchakutorera pokumira.

12Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuwo reJerusaremu.

13Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZioni pazvivi, nokuti kudarika kwaIsiraeri kwakawanikwa mauri.

14Saka iwe uchapa Moresheti–gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.

15“Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa VaIsiraeri vachasvika paAdhurami.

16Zviitire mhanza, veura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhanza yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help