1 Timoti 4 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kutsauka panguva yokupedzisira

1Zvino Mweya anoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzomweya yakaipa,

2vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,

3vachidzivisa vanhu kuwanana, nokurayira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva chokwadi.

4Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakuna chinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;

5nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

Timoti ave akatendeka pabasa raMwari

6Kana uchiudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomwoyo wose.

7Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.

8Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.

9Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.

10Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.

11Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi.

12Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo.

13Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.

14Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru.

15Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.

16Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help