Jona 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jona unotumwa Ninivha naJehovha, asi unotiza

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,

2“Simuka, uende Ninivha, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.”

3Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.

4Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.

5Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukati–kati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.

6Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, “Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.”

7Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, “Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani.” Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.

8Zvino vakati kwaari, “Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?”

9Iye akati kwavari, “Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.”

10Ipapo varume vakatya kwazvo–kwazvo, vakati kwaari, “Chiiko ichi chawaita?” Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.

11Zvino vakati kwaari, “Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?” Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.

12Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakuwirai nokuda kwangu.”

13Kunyangwe zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.

14Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.”

15Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.

16Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo–kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.

17Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help