Mateu 1 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Madzitateguru aJesu Kristu(Ruka 3:23–38)

1Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.

2Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake;

3Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;

4Arami akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akabereka Nasoni; Nasoni akabereka Saremoni.

5Saremoni akabereka Bhoazi kumukadzi wake Rahabhi; Bhoazi akabereka Obhedhi nomukadzi wake Rute; Obhedhi akabereka Jesi;

6Jesi akabereka mambo Dhavhidhi.

Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUriya;

7Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhia; Abhia akabereka Asafa;

8Asafa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Uziya.

9Uziya akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Ahazi; Ahazi akabereka Hezekiya;

10Hezekiya akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiya;

11Josiya akabereka Jekonia navanun'una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.

12Shure kwokutapwa kwavo Bhabhironi Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;

13Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriyakimi; Eriyakimi akabereka Azori;

14Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriudhi;

15Eriudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho;

16Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, iye akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

18Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati aroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene.

19Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire.

20Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene.

21Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”

22Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naIshe, nomuromo womuporofita achiti,

23“Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”

24Zvino Josefa akamuka pahope dzake akaita sezvaakarairwa nomutumwa waIshe, akatora mukadzi wake;

25akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help