VaGaratia 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Chengetai kusununguka kwenyu muna Kristu

1Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.

2Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.

3Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murairo wose.

4Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.

5Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.

6Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.

7Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko akakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?

8Hamuna kugombedzerwa naiye akakudanai.

9“Mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose.”

10Ndinotenda pamusoro penyu muna Ishe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, anokupesanisai achafanira hake kutongwa, kunyangwe ari ani naani.

11Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.

12Dai avo vanokupesanisai vachizvigadzirawo pachavo.

13Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo.

14Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwechete, rokuti, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe;”

15asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana.

Mabasa enyama nechibereko choMweya

16Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.

17Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya; noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.

18Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo.

19Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, nokukara

20nokunamata zvifananidzo, nouroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,

21nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.

22Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka,

23unyoro, nokuzvidzora; hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.

24Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama yavo, pamwechete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.

25Kana tichirarama noMweya, ngatifambewo noMweya,

26tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help