Jeremiya 52 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kukundwa kweJerusaremu namazuva aZedhekiya

1Zedhekiya wakatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri nerimwe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.

2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha netsika dzose dzaJehoiakimu.

3Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhikia akamukira mambo weBhabhironi.

4Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.

5Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekiya.

6Zvino nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi, nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika vakashaiwa zvokudya.

7Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza, vakabuda muguta usiku nenzira yesuwo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhia vakanga vakakomba guta); vakaenda nenzira yokurenje.

8Asi hondo yavaKaradhia yakatevera mambo, vakabata Zedhekiya pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.

9Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.

10Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye achizviona, akaurayawo machinda ose aJudha paRibhira.

11Akatumbura meso aZedhekiya, mambo weBhabhironi akamusunga namatare, akamuisa Bhabhironi, akamusunga mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.

12Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakasvika Jerusaremu.

13Akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.

14Hondo yose yavaKaradhia, yakanga ino mukuru wavarindi, ikaputsa masvingo ose eJerusaremu kunhivi dzose.

15Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vanyengera vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navavakanga vasara kuvazhinji.

16Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya vamwe varombo chaivo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.

17VaKaradhia vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.

18Vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.

19Nemikombe, nezvaenga zvomoto, nembiya, nehari, nezvitimiko zvemwenje, nezvirongo, nemidziyo, zvose zvakanga zviri zvendarama nezvose zvakanga zviri zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.

20Mbiru mbiri, nedziva rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvingoro, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.

21Zvino kana dziri mbiru, kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere; pakuyera tambo yakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakarupoteredza; pakukora yakasvika minwe mina; mukati makanga mune mhango.

22Yakanga ino musoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo

23Pamativi pakanga pana matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu; matamba ose akasvika zana pane zvakarukwa pamativi ose.

24Mukuru wavarindi akatora Seraia Mupristi Mukuru, naZefania mupristi wechipiri, navarindi vatatu vomukova;

25napaguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vanomwe vaisionana namambo, vaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana mukati meguta.

26Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

27Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.

28Ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhineza; negore rechinomwe vaJudha vane zviuru zvitatu namakumi maviri navatatu;

29negore regumi namasere raNebhukadhineza wakatapa paJerusaremu vanhu vana mazana masere namakumi matatu navaviri, akaenda navo;

30negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhineza, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.

31Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;

32akataura naye nomwoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kukunda zvigaro zvoushe zvamadzimambo akanga anaye paBhabhironi,

33akashandura nguo dzake dzokusungwa. Jehoiakini akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.

34Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo weBhabhironi nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, kusvikira zuva rokufa kwake, namazuva ose oupenyu hwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help