1“Zvino imi vapristi, chinzwai uyu murairo unouya kwamuri.
2Kana imi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakaraira kuti mukudze zita rangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu; zvirokwazvo ndatozvituka, nokuti hamuzviiti nomwoyo wenyu.
3Tarirai, ndichatuka vana venyu, ndichamhamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu; muchabviswa pamwechete naro.
4Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murairo uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
5“Sungano yangu navo yakanga iri youpenyu norugare; ndakavapa izvo kuti vanditye, vakanditya, vakadedera nokuda kwezita rangu.
6Murairo wezvokwadi wakanga uri mumuromo wavo, kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yavo; vakafambidzana neni norugare nokururama, vakadzora vazhinji pazvakaipa.
7Nokuti miromo yomupristi inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murairo pamusoro wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.
8Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurairo; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murairo.
10“Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu?
11Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati paIsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa.
12Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakobho, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso.
13Munoitawo izvozvi: Munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu.
14Kunyangwe zvakadaro munoti, ‘Nemhaka yeiko?’ Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyangwe ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye.
15Ko haana kuita mumwechete, kunyangwe akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwechete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
16Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.
17“Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyangwe zvakadaro munoti, ‘Takamunetsa neiko?’ Pakutaura kwenyu, muchiti, ‘Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira;’ kana: ‘Mwari wezvakarurama aripiko?’
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.