1Inzwai kuchema kwangu, Mwari,
Teererai munyengetero wangu.
2Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi,
kana mwoyo wangu waziya;
Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
3Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,
Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
4Ndichagara patende renyu nokusingaperi;
Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
5Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu;
Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
6Muchawedzera mazuva oupenyu hwamambo;
Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
7Achagara pamberi paMwari nokusingaperi;
Mumugadzirire unyoro nezvokwadi,
kuti zvimuchengete.
8Naizvozvo ndichaimbira zita renyu
nziyo dzokurumbidza nokusingaperi,
Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.