1Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, “Uyai nezvokunwa tinwe.”
2Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, “Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikoono, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
3Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
4“Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibairo zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
5uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana VaIsiraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6“Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7“Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mwedzi mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
8Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9“Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10“Ndakatuma pakati penyu chirwere chakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11“Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyangwe zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12“Saka ndichakuitirai izvi, imi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusangana naMwari wenyu, imi Isiraeri.”
13Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.