Mapisarema 40 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mufaro womunhu anotenda kuna JehovhaKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndakarindira–rindira Jehovha;

Akarerekera kwandiri, akanzwa kuchema kwangu.

2Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa,

nomudziva ramatope;

Akamisa tsoka dzangu padombo,

akasimbisa kufamba kwangu.

3Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,

rwokurumbidza Mwari wedu narwo;

Vazhinji vachazviona, vachitya,

Vachavimba naJehovha.

4Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake.

Asina hanya navanozvikudza,

navanotsaukira kunhema.

5Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu,

anoshamisa, amakaita, mazhinji,

Nemifungo yenyu kwatiri;

Hapana angaenzaniswa nemi.

Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva,

Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.

6Imi hamufadzwi nezvibairo nezvipiriso;

Makandidziurira nzeve dzangu;

Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva.

7Ipapo ndakati, “Tarirai, ndauya;

Parugwaro rwechimononorwa ndakazvirairwa,

8Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu,

Mwari wangu;

Zvirokwazvo murairo wenyu uri

mumwoyo mangu.”

9Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru;

Tarirai, handingadzori miromo yangu,

Jehovha, munozviziva.

10Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu;

Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu;

Handina kuvanzira ungano huru

unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.

11Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu;

Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu

zvichandichengeta nguva dzose.

12Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza,

Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo

handigoni kutarira kumusoro;

Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu,

ndapera mwoyo.

13Jehovha, ngazvikufadzei kundirwira;

Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.

14Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete.

Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze;

Ngavadzoserwe shure, vashorwe

Ivo vanofarira kundikuvadza.

15Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo

Ivo vanoti kwandiri, “Hekani, hekani waro!”

16Vose vanokutsvakai ngavafarise vave

nomufaro mamuri;

Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti,

“Jehovha ngaakudzwe!”

17Asi ini ndiri murombo nomushaiwi;

Kunyangwe zvakadaro Ishe anondifunga;

Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu;

Regai kunonoka, Mwari wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help