Mapisarema 122 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jerusaremu guta rinodikanwaRwiyo rworwendo; rwaDhavhidhi.

1Ndakafara panguva yavakati kwandiri,

“Hendei kumba kwaJehovha.”

2Tsoka dzedu dzimire

Pakati pamasuwo ako, Jerusaremu;

3Jerusaremu, iwe wakavakwa

Seguta rakasanganiswa zvakanaka;

4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha,

Sezvakarairwa Isiraeri,

Kuti vavonge zita raJehovha.

5Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga,

Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6Kumbirirai Jerusaremu rugare;

Vanokudai, vachakomborerwa.

7Rugare ngaruve mukati

mamasvingo ako,

Nokufarikana mukati medzimba

dzako dzohushe.

8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu,

Ndichati zvino,

“Rugare ngaruve mukati mako.”

9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu

Ndichakutsvakira zvakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help