Mapisarema 127 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kunze kwaJehovha hapana chingaitwaRwiyo rworwendo; rwaSoromoni.

1Kana Jehovha asingavaki imba,

Vavaki vayo vanobata pasina;

Kana Jehovha asingachengeti guta,

Murindi anorindira pasina.

2Hazvina maturo kuti mumuke

mangwanani nokunonoka kundovata,

Nokudya zvokudya zvamakatamburira;

Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.

3Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha;

Chibereko chechizvaro ndiwo mubairo waanopa.

4Semiseve muruoko rwemhare,

Ndizvo zvakaita vana voujaya.

5Unomufaro iye murume anegoba rizere navo;

Havanganyadziswi,

Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuwo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help