1 VaTesaronika 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Pauro anovayeudzira kuti akabata basa sei pakati pavo

1Nokuti nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.

2Asi takati tatambudzika nokuitirwa zvakaipa muFiripi, sezvamunoziva, takatsunga muna Mwari wedu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.

3Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;

4asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu.

5Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namanomano okukarira pfuma, Mwari chapupu;

6tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyangwe taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori VaKristu.

7Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;

8saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyangwe nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.

9Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.

10Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda.

11Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,

12tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.

13Saka isuwo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda.

14Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri veChechi yaMwari riri muJudhiya muna Kristu Jesu; nokuti nemiwo makatambudzwa saizvozvo novekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo naVaJudha.

15Ndivo vakauraya Ishe Jesu navaPorofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose;

16vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswa; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.

Pauro anoda zvikuru kuona VaTesaronikazve

17Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso;

18naizvozvo taida kuuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uyezve rwechipiri, asi Satani akatidzivisa.

19Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paIshe wedu Jesu pakuuya kwake?

20Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help