Mapisarema 101 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anoda kufamba nenzira yakarurama nomwoyo wake wosePisarema raDhavhidhi.

1Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama;

Ndimi Jehovha wandichaimbira

nziyo dzokurumbidza.

2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama;

Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko?

Ndichafamba mumba mangu

nomwoyo wakarurama.

3Handingavavariri chinhu chakaipa;

Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka;

Hazvingandinamatiri.

4Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri;

Handidi kuziva zvakaipa.

5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza;

Anotarira namanyawi, nouno mwoyo unozvikudza,

handingavi nehanya naye.

6Meso angu achatarira vakatendeka

panyika, kuti vagare neni;

Munhu anofamba nenzira yakarurama,

ndiye angava mushumiri wangu.

7Anonyengera haangagari mumba mangu;

Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.

8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika;

Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa

paguta raJehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help