Vatongi 5 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Rwiyo rwaDhebhora

1Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinoami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati,

2“Kudzai Jehovha,

Nokuti vatungamiriri vakatungamirira VaIsiraeri,

Nokuti vanhu vakauya nokuda kwavo.

3Inzwai, imi madzimambo,

teererai, imi machinda;

Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha;

Ndicharumbidza Jehovha,

Mwari waIsiraeri nenziyo.

4Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri,

Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,

Nyika yakadedera,

uye denga rakadonha,

Zvirokwazvo makore akadonha mvura.

5Makomo akayerera pamberi paJehovha,

Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri.

6Pamazuva aShamugara,

mwanakomana waAnati,

Pamazuva aJaeri,

nzira huru dzakanga dzisingafambwi,

Vafambi vaifamba nenzira dzinopota–pota.

7Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri,

yakanga isina vanhu,

Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka,

Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri.

8Vakazvitsaurira vamwari vatsva;

Kurwa kukavapo pamasuwo.

Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo

Pakati paVaIsiraeri vane

zviuru zvina makumi mana here?

9Mwoyo wangu unorumbidza vabati VaIsiraeri,

Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;

Kudzai Jehovha!

10Paridzai izvozvo,

imi makatasva mbongoro chena,

Imi, mugere pamhasa dzinokosha,

Nemi, munofamba nenzira.

11Kure namazwi avanopfura nouta,

pavanoteka mvura,

Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha,

Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri.

Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuwo.

12Muka, muka, Dhebhora;

Muka, muka, iwe uimbe rwiyo!

Simuka Bharaki,

utape vatapwa vako,

iwe mwanakomana waAbhinoami.

13Ipapo vakanga vakasara

vavakuru navanhu vakaburuka,

Jehovha akaburuka nokuda kwangu

kuzorwa navane simba.

14Kuna Efuremu ndokwakabva

vano mudzi wavo paAmareki,

Vachikutevera iwe Bhenjamini

pakati pavanhu vako.

PaMakiri ndipo pakaburukira varairi,

Nokuna Zebhuruni avo

vakabata tsvimbo yokukunda.

15Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora;

SaIsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki;

Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake.

Pahova dzaRubheni

Pakanga pane mirangariro mikuru yomwoyo.

16Wakagarireiko pasi

pakati pamatanga ezvipfuwo.

Uchiterera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?

Pahova dzaRubheni

Pakanga pano kunzvera kukuru kwomwoyo.

17Gireadhi wakagara mhiri kwaJodhani;

Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe?

Asheri wakagara zvake pamhenderekedzo dzegungwa,

Wakarambira apo panopinda mvura panyika.

18Zebhuruni ndivanhu vakanga

vasingatyi kusvikira parufu,

NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira.

19Madzimambo akauya akarwa,

Ipapo madzimambo eKenani akarwawo

PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho;

Havana kuwana pfuma yemari.

20Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga,

Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.

21Rwizi Kishoni rwakavakukura,

Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni.

Mweya wangu, pfuura nesimba.

22Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi

Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba.

23Tuka Merozi,

ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha,

Tuka zvakaipa avo vageremo;

Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,

Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba.

24Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe,

Iye mukadzi waHebheri muKeni,

Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende.

25Wakakumbira mvura,

iye akamupa mukaka;

Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo.

26Wakabata mbambo noruoko rwake,

Nenyundo yomubati norudyi rwake,

Akarova Sisera nenyundo,

akaboora musoro wake;

Wakarova, akaboora zvavovo zvake.

27Wakakotama patsoka dzake, akawa,

Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.

28Wakatarira pawindo, akadana,

Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro;

Ngoro yake inononokireiko kusvika?

Makumbo engoro dzake anononokireiko?

29Vakadzi vake, vakakudzwa,

vakachenjera, vakamupindura,

Naiye amene wakazvipindura, achiti,

30‘Havana kuwana here zvavakapamba,

havana kuzvigovana here?

Zvimwe murume mumwe nomumwe

unopiwa musikana mumwe,

kana vasikana vaviri;

Zvimwe Sisera uchapiwa nguo

dzakapambwa dzamavara–vara,

Nguo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara–vara,

Nguo dzamavara–vara dzakarukwa kunhivi dzose,

dzakafanira mitsipa yavakapamba?’

31Saizvozvo vavengi venyu vose

ngavaparadzwe, Jehovha;

Asi ivo vanokudai ngavave sezuva,

kana richibuda nesimba raro!”

Nyika ikazorora makore ana makumi mana.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help