Zvakazarurwa 2 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Tsamba kuchechi iri paEfeso

1“Nyorera mutumwa wechechi iri paEfeso uti, ‘Zvanzi naiye akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.

2Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa; wakavaedza ivo vanoti, tiri vapostori, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;

3ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.

4Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.

6Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.

7Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi; anokunda, ndichamutendera kuti adye muti woupenyu, uri muParadhiso yaMwari.’

Tsamba kuchechi iri paSimena

8“Nyorera mutumwa wechechi iri paSimena, uti: ‘Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, akanga afa, akararamazve.’

9“Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, (asi uri mupfumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,

10usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhori woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muedzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.

11“Ane nzveve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi; anokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri.

Tsamba kuchechi iri paPegamamu

12“Nyorera mutumwa wechechi iri paPegamamu uti: ‘Zvanzi naiye ano munondo, unopinza, unocheka kwose.’

13Ndinoziva paunogara, ndipo pane chigaro choushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyangwe napamazuva aAndipasi, chapupu changu, munhu wangu akatendeka, akaurayiwa pakati penyu, apo panogara Satani.

14Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti una vamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, akadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana VaIsiraeri, nokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita upombwe.

15Nokudaro una vamwewo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti.

16Naizvozvo tendeuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.

17“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.

Tsamba kuchechi iri paTiatira

18“Nyorera mutumwa wechechi iri paTiatira uti, ‘Zvanzi noMwanakomana waMwari, ana meso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya.’

19Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuura okutanga.

20“Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi, uye anodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite upombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo.

21Ndakamupa nguva kuti atendeuke; akaramba kutendeuka pakufeva kwake.

22Tarira, ndoda kumukandira panhoo; navanoita upombwe naye panhamo huru, kana vasingatendeuki pamabasa avo.

23Navana vake ndichavauraya norufu; nechechi dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemwoyo, ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.

24Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti, ‘Zvakadzika zvaSatani,’ ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.

25Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichiuya.

26“Anokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;

27achaafudza netsvimbo yedare, sehari dzomuumbi dzinoputsanyiwawo; sezvandakapiwawo naBaba vangu.

28Uye ndichamupa nyamatsatsi.

29Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kuchechi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help