1Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,
2“Ndiwo murairo womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi;
3zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherechedza munhu uyu; kana akaona kuti chirwere chamaperembudzi chapora hacho kumunhu una maperembudzi;
4mupristi anofanira kuraira kuti anoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
5Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
6Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, okuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurayiwa pamusoro pemvura inoyerera.
7Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
8Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, nokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
9Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, nokushamba muviri wake, agova wakanaka.
10Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina chipomerwa, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina chipomerwa, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
11“Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
12mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
13zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
14Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
15zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
16zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
17mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
18mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha.
19Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
20mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
21“Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
22nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
23nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupristi pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
24Zvino mupristi anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupristi agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
25Zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
26zvino mupristi ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
27mupristi agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
28Zvino mupristi ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
29Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
30Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
31sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupristi ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
32Ndiwo murairo wechirwere chamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake.”
Maperembudzi padzimba33Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni akati,
34“Kana masvika kunyika yeKenani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa chirwere chamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
35muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupristi, achiti, ‘Ndinoona kuti imba yangu inenge ine chirwere.’
36Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira chirwere, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.
37Zvino ngaacherekedze chirwere; kana akaona kuti chirwere chiri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
38mupristi anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
39zvino mupristi anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherechedze; kana akaona kuti chirwere chakapararira pamadziro eimba;
40mupristi anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane chirwere paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
41ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
42zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore rimwe ivhu aumbe imba naro.
43Kana chirwere chikadzokazve, chikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa,
44mupristi anofanira kupinda nokucherechedza; kana akaona kuti chirwere chapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
45Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
46Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira usiku.
47Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguo dzake.
48“Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti chirwere hachina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kwemba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti chirwere chapera.
49Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
50ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
51nokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurayiwa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
52anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
53asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
54“Ndiwo murairo wamarudzi ose amaperembudzi napakafunuka;
55nowamaperembudzi enguo, neeimba,
56nowa pakazvimba, nowa pakafunuka, nowe chivara,
57kuzivisa mupristi kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murairo wamaperembudzi.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.