1Inzwai izwi rangu, Mwari,
pakuchema kwangu;
Chengetai upenyu hwangu
ndirege kutyiswa nomuvengi.
2Ndivanzei pakurangana kwakavanda
kwavanoita zvakaipa;
Pabope ravanobata zvakaipa;
3Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo,
Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
4Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo;
Kamwe–kamwe vanomufura, vasingatyi.
5Vanotsungirira pazano rakaipa;
Vanorangana kuteya misungo pakavanda;
Vanoti, “Ndianiko angazviona?”
6Vanofungisa zvakaipa;
Vanoti, “Tapedza kufungisa zano guru;”
Kufunga kwomukati kwomumwe
nomumwe, nomwoyo, zvakadzika.
7Asi Mwari achavapfura,
Vachakuvadzwa kamwe–kamwe nomuseve.
8Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi
dzavo dzichivapupurira zvakaipa;
Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
9Vanhu vose vachatya;
Vachaparidza basa raMwari,
Vachicherechedza zvakanaka zvaanoita.
10Vakarurama vachafara muna Jehovha,
vachavimba naye;
Vose vane mwoyo yakarurama vachafara kwazvo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.