Mapisarema 27 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Jehovha ndiye chiedza noMuponesiPisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ndiye chiedza changu

noMuponesi wangu; ndingagotya aniko?

Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu;

ndingagovhunduswa naniko?

2Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya

kwandiri kuzodya nyama yangu,

Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu,

vakagumburwa vakawa.

3Kunyangwe hondo ikandikomba,

Mwoyo wangu haungatyi;

Kunyangwe ndikavingwa nokurwa,

Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.

4Chinhu chimwechete ndakakumbira

kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka;

Kuti ndigare mumba maJehovha

misi yose youpenyu hwangu,

Kuti ndione kunaka kwaJehovha,

nokurangarira mutemberi yake.

5Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga

mudumba rake,

Uchandivanza pakavanda patende rake;

Uchandikwiridza padombo.

6Zvino musoro wangu uchasimudzirwa

kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba;

Ndichamubayira zvibairo zvomufaro patende rake.

Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira

Jehovha nziyo dzokumurumbidza.

7Inzwai Jehovha, kana ndichidana nezwi rangu;

Ndinzwirei tsitsi, mundipindure.

8Panguva yamakati,

“Tsvakai chiso changu;”

mwoyo wakati kwamuri,

“Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.”

9Regai kundivanzira chiso chenyu;

Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu;

Makanga muri mubatsiri wangu;

Regai kundirasha, kana kundisiya,

imi Mwari muponesi wangu.

10Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha,

Asi Jehovha achandigamuchira.

11Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha;

Mundifambise panzira yakati chechetere,

Nokuda kwavanondivandira.

12Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu;

Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira,

navanofemereka hasha.

13Ndingadai ndakafa hangu,

kana ndisina kutenda kuti ndichaona

kunaka kwaJehovha.

Panyika yavapenyu.

14Rindira Jehovha;

Iva nesimba, nomwoyo wako utsunge;

Ndinoti, rindira Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help