Mapisarema 72 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Ukuru hwaMamboPisarema raSoromoni.

1Ipai mambo zvamakatonga, Mwari,

Nokururama kwenyu

kumwanakomana wamambo.

2Achatongera vanhu venyu nokururama,

Navarombo venyu achavaruramisira.

3Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,

nokururama.

4Achatongera varombo vavanhu,

Achaponesa vana vavashaiwi,

Nokupwanya mumanikidzi.

5Vachakutyai kana zuva richipo,

Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira

kumarudzi namarudzi.

6Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa;

Semvura inonaya ichidiridza pasi.

7Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka;

Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.

8Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa,

Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.

9Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake;

Vavengi vake vachananzva guruva.

10Madzimambo eTashishi neezvivi achauya nezvipo;

Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;

11Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira

pasi pamberi pake;

Ndudzi dzose dzichamushumira.

12Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira;

Nomurombo asina mubatsiri.

13Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi,

Achaponesa mweya yavashaiwi.

14Achadzikinura mweya yavo pakutambudzika

napakumanikidzwa;

Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;

15Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha;

Vanhu vacharamba vachimunyengeterera;

Vachamuvonga zuva rose.

16Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo;

Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni;

Vanogara paguta vachakura souswa pasi.

17Zita rake richavapo nokusingaperi;

Zita rake richagara riripo panguva

yose yokuvapo kwezuva;

Vanhu vacharopafadzwa maari;

Ndudzi dzose dzichati, “Ano mufaro.”

18Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe,

Iye oga anoita zvinoshamisa.

19Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi;

Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu.

Ameni, Ameni.

20Minyengetero yaDhavhidhi

mwanakomana waJese yapera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help