Mabasa aVapostori 17 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Pauro naSirasi paTesaronika

1Zvino vakati vagura neAmifiporisi neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.

2Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro maSabata matatu,

3achivazarurira nokuvazivisa, kuti, “Kristu aifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.”

4Vamwe vavo vakatendera, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.

5Asi vaJudha vaiva negodo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.

6Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo,

7Jasoni akavagamuchira; mumba make ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uripiko, anonzi Jesu.”

8Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.

9Zvino, vakati vatora rubatso kuna Jasoni navamwe, vakavarega.

Pauro naSirasi paBheria

10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheria usiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.

11Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.

12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.

13Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheria, vakasvikawo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.

14Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasarapo.

15Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.

Pauro paAteni

16Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo.

17Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo.

18Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.”

19Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati, “Ngatinzwewo kuti kudzidzisa uku kutsva, kunotaurwa newe, ndokweiko?

20Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?”

21(Zvino vaAteni vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwechete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)

22Zvino Pauro, amire pakati peAreopago akati,

“Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru.

23Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherechedza zvamunonamata, ndakawanawo atari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.

24Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutemberi dzakaitwa namaoko.

25Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose;

26akaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwechete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo;

27kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyangwe asiri kure nomumwe nomumwe wedu.

28Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti, ‘Nokuti tiri rudzi rwakewo.’

29“Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu.

30Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anoraira vanhu vose kwose–kwose kuti vatendeuke.

31Nokuti akatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.”

32Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.”

33Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo.

34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwechete navo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help