1Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose youpenyu hwake?
2Nokuti mukadzi, ano murume, akasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurairo womurume.
3Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurairo, zvino haazi chipfeve kunyangwe akawanikwa nomumwe murume.
4Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
5Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.
6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
7Zvino tichatiiko? Murairo zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti, “Usachiva;”
8zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.
9Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;
10nomutemo iwo waifanira kuisa kuupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;
11nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera, zvikandiuraya nawo.
12Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.
13Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvo–kwazvo.
14Nokuti tinoziva kuti murairo ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.
15Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita.
16Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka
17Zvino handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
18Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.
19Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
20Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
21Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.
22Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;
23asi ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.
24Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu?
25Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.