Ekisodho 40 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Mosesi anomisa Tabhenakeri

1Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

2“Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.

3Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka neketeni.

4Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.

5Uisewo atari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa keteni romukova wetabhenakeri.

6Zvino uisewo atari yezvibairo zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.

7Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, ugodira mvura mukati mawo.

8Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza keteni resuwo roruvanze.

9“Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.

10Uzodzewo atari nezvibairo zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure atari, atari chive chinhu chitsvene–tsvene.

11Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.

12“Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.

13Ipapo ufukidze Aroni nguo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi.

14Usededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguo.

15Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.”

16Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.

17Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.

18Mosesi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.

19Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

20Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;

21akapinza areka mutabhenakeri, akarembedza keteni rokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

22Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kweketeni.

23Akarongedzawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

24Akaisa chigadzikiro chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.

25Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

26Akaisa atari yendarama mutende rokusangana pamberi peketeni;

27akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

28Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.

29Akaisa atari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

30Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.

31Ipapo Mosesi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;

32pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuatari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

33Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri neatari, akarembedza keteni resuwo roruvanze. Naizvozvo Mosesi akapedza basa rose.

34Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.

35Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.

36Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana VaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.

37Asi kana gore risina kukwidzwa, vaisafamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.

38Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help