1Zvino mambo Ahasuerusi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.
2Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMidhia nePezhia?
3Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahasuerusi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.