Mapisarema 116 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Kuvonga kwomunhu akabatsirwa kwazvo naJehovha

1Ndinoda Jehovha, nokuti anonzwa

Izwi rangu nokukumbira kwangu.

2Zvaakarereka nzeve yake kwandiri,

Ndichadana kwaari mazuva angu ose.

3Misungo yorufu yakandikomba,

Kurwadziwa kweSheori kwakandibata;

Ndakawana kutambudzika nokuchema.

4Ipapo ndakadana zita raJehovha;

Haiwa Jehovha, ndinonyengetera

kuti murwire mweya wangu.

5Jehovha ane nyasha, akarurama;

Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.

6Jehovha anochengeta vasina mano;

Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.

7Dzokera kuzororo rako, mweya wangu;

Nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.

8Nokuti makarwira mweya wangu parufu;

Nameso angu pamisodzi,

Netsoka dzangu pakugumburwa.

9Ndichafamba pamberi paJehovha

Panyika yavapenyu.

10Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti,

“Ndakamanikidzwa kwazvo;”

11Ndakati pakuvhunduka kwangu,

“Vanhu vose vanoreva nhema.”

12Ndichavigireiko Jehovha

Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?

13Ndichasimudza mukombe wokuponeswa,

Ndichidana zita raJehovha.

14Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu,

Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.

15Chinhu chinokosha pamberi paJehovha,

Ndirwo rufu rwavatsvene vake.

16Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu;

Ndiri muranda wenyu, mwanakomana

womurandakadzi wenyu;

Makasunungura misungo yangu.

17Ndichakubairai zvibairo zvokuvonga,

Ndichidana zita raJehovha.

18Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu,

Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;

19Pavazhe dzeimba yaJehovha,

Mukati mako, iwe Jerusaremu.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help