Mapisarema 65 - Shona Bible Union Version 2002(SUB)

Dhavhidhi anorumbidza MwariKumutungamiriri wokuimba. Pisarema Rwiyo rwaDhavhidhi.

1Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZioni;

Imi munofanira kuitirwa mhiko.

2Imi vokunzwa munyengetero,

Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.

3Mashoko akaipa ondikunda;

Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.

4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura,

wamunoswededza kwamuri,

Kuti agare pavazhe dzenyu;

Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu,

Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.

5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa,

Imi Mwari muponesi wedu;

Imi chivimbo chamativi ose apasi,

Navari kure pagungwa;

6Iye, anoteya makomo nesimba rake;

Iye, akasungwa chiuno nesimba;

7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa,

iko kutinhira kwamafungo awo,

Nokupopota kwavanhu.

8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu;

Munofadza mabudiro amangwanani noousiku.

9Munoshanyira pasi, munopadiridza,

Munopafumisa kwazvo;

Rwizi rwaMwari ruzere nemvura;

Munovagadzirira zviyo, kana

magadzira pasi saizvozvo.

10Munozadza mihoronga yapo kwazvo;

Munoenzanisa mipanje yapo;

Munopanyorovesa nemvura inopfunha;

Munoropafadza zvinomera zvapo.

11Munoshongedza mwaka nekorona

younaki hwenyu;

Makwara enyu anodonha mafuta.

12Anodonha pamafuro erenje;

Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.

13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo;

Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo;

Zvinopururudza, zvichiimbawo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help